Kingstone Mapupu
MHURI inogara kudunhu raMambo Chinhamora, kuDomboshava yakapinza mutumbi wababa vavo mumba nepahwindo nekuuburitsa nepo zvekare uye ndokuzoupinza muimba yekubikira nepachisuvi nekuuburitsa pakunouviga izvo zvinonzi zvave kukonzera mushakabvu uyu kuti amuke chipoko.
Mufi uyu, Sekuru Nyampance Zawe, vakashaika mugore ra2017 apo vaigara nemudzimai wavo wechipiri mushure mekushaikirwa newekutanga.
Vanonzi vakafira kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals vabva kumusha uko vakanga vava kugara nemudzimai wavo mudiki nemhuri yake yose sezvo vakanga vasina mwana nemukadzi uyu.
Mai Nyemudzai Zawe (44) vanova mutauriri wemhuri iyi uyewo vari mwana wemudzimai mukuru waSekuru Zawe vanoti chipoko chababa vavo chakonzeresa.
“Ini ndiri mwana waamai vakuru vakashaika baba vasati vafa. Amai vafa, baba vakaroora amainini ndokutanga kugara nesu semhuri kuDomboshava. Baba vakazorwara vakafira kuParirenyatwa mutumbi wavo ukazotakurwa kuendeswa kumusha kuDomboshava. Bhokisi ravo rakatanga kupinzwa nepahwindo muimba yekurara ndokuzoburitswa nepahwindo ipapo, ukazopinzwa muimba yekubikira nepachisuvi umo wakarara uye pakunovigwa ukazoburitswa zvekare nepachisuvi. Vakuru vaivapo vakati ndizvo zvakanga zvataurwa nababa kuti vaida kuzoitirwa chivanhu ichi,” vanodaro Mai Nyemudzai Zawe.
Mbatya dzababa vavo vanoti kubva mugore iri kusvika izvozvi hadzina kugovewa zvisinei kuti guva ravo vakazorigadzira vakariisa dombo.
“Ini ndinogara kuHarare nemhuri yangu. Mavambo egore rakapera ndakazotumirwa shoko kubva kumusha zvichinzi baba vaimuka chipoko chashungurudza vanhu vanogara kumusha ikoko nekudaro semhuri tava kukandirana nyoka mhenyu. Kune vamwe vari kuti mbatya idzi vanoda kudzitora kunodzikanda musango kana kuendesa kudzimba dzevamwe vakaita seni nehanzvadzi yangu. Saka tava kugara tichitya nekuti mbatya idzi dzinonzi dzakashereketerwa, pane zvatinowana kubva kudzin’anga nemaporofita,” vanodaro Mai Nyemudzai Zawe. Vanoti nyaya iyi yakazosvitswa kudare raMambo Chinhamora nevamwewo vanhu vakaona mafambiro akaita zvinhu pakuvigwa kwababa vavo zvakazoita kuti mhuri iyi ishevedzwe kudare iri vakanzi vaifanirwa kuripa mombe mbiri.
“Nyaya iyi yakazoendeswa kudare raMambo Chinhamora ikatonga kuti zvakaitwa izvi kwaiva kusvibisa dunhu ravo kuti chitunha chakapinzwa nepahwindo chikaburitswa, chikazopinzwawo nepachisuvi nekuburitswa nepo zvakare. Mainini mudzimai wababa mudiki vakazonzi vaifanirwa kuripa mombe kuna Mambo Chinhamora uyewo imwe mombe voiripa kunanababa vedu. Vanin’ina vababa vanonzi vakaitirwa chivanhu ichi vasipo,” vanodaro Mai Nyemudzai Zawe. Vanoti nekuda kwekushaya, mombe mbiri idzi hadzisati dzabviswa kusvika nanhasi uno.
“Vana vababa ava tangosara vaviri chete nekudaro zvimwe zvinhu zvava kuda kuitwa hatichazvikwanisa. Vanababamudiki vamwe vaifanirwa kuripwa mombe pamutongo wakapihwa naMambo Chinhamora vakatoshaikawo kare, chimwe chivanhu chinonzi chinofanirwa kuitwa hatichizive,” vanodaro Mai Nyemudzai Zawe.
Mai Kambezo Zawe (76) mudzimai akasiiwa nemuchakabvu uyu vanotsinhira nyaya yekuti mutumbi wemurume wavo wakapinzwa mumba nepahwindo uyewo ndokuburitswa napo uchizoendeswa muimba yekurara umo wakaitwa zvimwechete kupinzwa nepachisuvi nekuburitswa napo wava kunovigwa.
“Hongu murume wangu akafa pakaitwa chivanhu chekupinzwa mumba mutumbi nekuburitswa nepahwindo pachivanhu chekumusha kwavo. Mbatya dzavo hadzina kugovewa, pane zvava kunetsa pamagariro echivanhu,” vanodaro Mai Kambezo Zawe.
Vakaramba kutsanangura zvizere nyaya iyi vachiti vaingoda kuti mbatya idzi dzigovewe kana kuti dzotorwa neimwe hama yemufi yepadyo.
Zvakadai, Gogo Sarudzai Jaravaza (58) vemuHarare vanokurudzira mhuri iyi kuti iise musoro pamwechete kuti vagadzirise nyaya dzembatya dzemufi uyu dzigovewe uyewo koitwa chivanhu chinopindirana netsika dzavo.
“Mhuri yose iyi kubvira vekumudzimai mukuru naamai ava vakazoroorwa mudzimai wekutanga ashaika, ngavaise musoro pamwechete vagove nhumbi dzemufi sezvo mweya wake uchizoguma wava kurwisa vanhu vose pasina kusarudza, chipoko kureva kuti yatova ngozi,” vanodaro Gogo Jaravaza.